Ruzivo
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuKuzivikanwa)
Kana munhu achinzi ane ruzivo (Knowledge in English) pamusoro pechinhu kana kuti pamusoro pemumwe munhu zvinoreva kuti ane chimwe chezvinotevera: tsananguro, humbowo, hunyanzvi, hukwanisi maererano nezviri kutaurwa zviri mudariro. Ruzivo rwunogona kuwanikwa kuburikidza nokunge munhu akazvidzidza kana kunge akamborarama mazviri.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
- Kuziva ambuya huudzwa.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaFwe vanoti kuzyiba (to know) kureva kuziva.
- VaNyakyusa neVaGanda vanoti kumanya (to know) kureva kuziva.
- VaZigula neVaNyakyusa vanoti kumanyika (to be known; be understandable; to be knowable) kureva kuzivika.
- VaNyakyusa vanoti kumanyila (to learn) vachireva kudzidzira.
- VaDigo neVaYao vanoti manya (to know) kureva kuziva. Sokuti Unammanya mutu hiyu? (Do you know this person?).
- VaDigo vanoti manyikana (to be known) kureva kuzivikanwa.
- VaDigo vanoti manyana (to know each other) vachireva kuzivana.
- VaDigo vanoti dzimanyisa (to make oneself known; to identify oneself; to show oneself) kureva kuzvizivisa.