Svetuka kuchirochemo

Kuyambikana

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, kuyambikana (parallel) izwi rinotsangangudza mitsetse miviri yakati twasa yakataramukana nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose kana nhambwe ichipimwa pakati pemitsetse iyi. Apa nhambwe inofanirwa kunge iri kupimwa kuchitevedzwa mitsetse wechitatu unocheka mitsetse miviri yokutanga. Mutsetse wechitatu unofanirwa kunge uchicheka miviri iyi pamukwava une gonyo rakaenzana panzvimbo dzose. Muenzaniso wemitsetse wakati sambamba isimbi mbiri dzenjanji nokuti dzinofamba dzakayererana asi dzisingapesane.

Vatauri veSwahili vanoti sambamba.

Mazwi ari Pedyo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • AmaZulu vanoti lungana (Be opposite, parallel). Mamwe mazwi: lungelela (Place parallel; place in line (end wise).
  • Swahili inoti amba (be in contact, stick together, adhere). VaSwahili vanoti ambika (hold/stick together, cohere).
  • Lenje inoti ambana (touch each other, be close together, stand in line, abreast) vachireva kugumana, kuva pedyo nepedyo, kuita mudungwe.
  • Tiriki inoti khulondana (lie alongside, go along with, go together, be next to) kureva kurondana.
  • Lubukusu inoti khukhwakana (vi. be parallel, meet in a straight line, be equal, be level) kureva kuyambikana.
  • Zigula inoti kuandama; kuandamila (to walk by the side of; to cleave, to stick together).
  • Hadiyya inoti amba (vicinity, village, neighborhood, settlement).
Nyora dzinoratidza kuyambikana kwemitsetse a na b . Mikwava inoitwa nemutsetse wakachinjika yakaenzana.