Kuyambikana

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Muchidzidzo chePimanyika, kuyambikana (parallel) izwi rinotsangangudza mitsetse miviri yakati twasa yakataramukana nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose kana nhambwe ichipimwa pakati pemitsetse iyi. Apa nhambwe inofanirwa kunge iri kupimwa kuchitevedzwa mitsetse wechitatu unocheka mitsetse miviri yokutanga. Mutsetse wechitatu unofanirwa kunge uchicheka miviri iyi pamukwava une gonyo rakaenzana panzvimbo dzose. Muenzaniso wemitsetse wakati sambamba isimbi mbiri dzenjanji nokuti dzinofamba dzakayererana asi dzisingapesane.

Vatauri veSwahili vanoti sambamba.

Zviri kutaridzwa nenyora , kuti mitsetse a na b yakati sambamba. Magonyo anoitwa nemutsetse wakatandika akaenzana.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaSwahili vanoti amba (be in contact, stick together, adhere).
  • VaSwahili vanoti ambika (hold/stick together, cohere). Kune iwi rokuti kuyambikana rinoreva parallel.
  • Vatauri veHerero vanoti ozombarakana (parallel) kureva kuyambikana.