Kuwarira
Mataridziko
Kuwarira (kureva to spread; to lay or position in a place; to make tidy (of a bed)) kana kuwaridza zvinoreva kutambanura gumbeze pamubhedha zvakarongeka uchipfunyira mumativi.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kuwarika - sokuti kuwarika mbesa paruware kuti dziwome.
- Ruwarikano - kureva zvinhu zvakafanana zvakapararira panzvimbo.
- Ruwarikano rwezvitsuwa (archipelago).
- Chiwaridzo
- Ruware
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Zviri kumwene, gumbeze, kufuka kana kuwarira.
- Zviri kwauri gumbeze kufuka kana kuwarira.
Mitauro ye Chibantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Runyambo vanoti kwara (v. make a bed) vachireva kuwaridza mubhedha.
- VaGanda vanoti kwala ekitanda (make a bed; spread blankets on a bed) vachireva kuwariridza mubhedha.
- VaGanda vanoti alira (spread in a place) vachireva kuwarira.
- VaGanda vanoti kwalira munju (spread a room with mats) vachireva kuwarira mhasa mumba.
- VaWanga vanoti okhwaluula (remove; take off, of something spread out, as a table-cloth, bed clothes, etc.) kureva kuwarura.
- Tiriki vanoti khwaluula (to remove or take off something spread out (e.g. tablecloth, bedding) vachireva kuwarura.
- Lenje vanoti yala, wamba, teya (v. lay out, spread, arrange a mat or bedding).