Kusunura
Mataridziko
Kusunura kana kudzuna (to castrate, to neuter) zvinoreva kucheka machende emhuka hono kuti isakwanisa kubereka. Mombe nembwa dzinosunurwa kuti dzirege kubereka. Mombe kana ichinge yakusunurwa kana kuti kuchekwa inonzi dhonza, ngavi kana kuti jong'osi. Mhuka dzinosunurwa senzira yokusarudza handira dzine rudzi rwakanaka.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mazwi eEnglish achada kuturikirwa anosanganisira: neutralize, neutral.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaNyungwe vanoti -sunula (v. castrate) kureva kusunura. VaZigula vanoti kushonda (v. castrate) kureva kusunura.
- Luwanga inoti okhuberekha (to conceive a child) kureva kubata nhumbu.
- Lugwere inoti musaami (n. castrator; someone who castrates an animal). Luganda inoti okulaawa (Castrate).
- Tumbuka vanoti nkhpawi (bull) kureva handira. VaNoni vanoti son (v. castrate) kureva kusunura.
- Kinande vanoti emísúnulire (v. way of detaching, loosening or to let something out) kureva masunurire.
- VaTaabwa vanoti kutungula mapuli (v. to castrate). VaTaabwa vanoti mapuli (n. testis).