Kutapukira

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKupomera (kutapukira))

Mazwi okuti kutapukira kana kupomera (contagious, infectious) rinotaurwa pachirwere chinoyambukira kubva kune munhu anacho kuenda kune uyo asina chirwere. Chirwere chinotapukira chinokwanisa kuyambukira vanhu vachinge vagumhana muviri, kupfekerana mbatya, kushandisa nhumbi pamwechete kana kufemedzana mweya uri panzvimbo imwe. Zvirwere zvepabonde zvinopomeranwa kana vaviri vachinge vasangana pabonde.

Bomera (contagiuos disease) zvinoreva chirwere chacho chinotapukira.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti tapu (ideo. of touching something sticky; of treading on something soft, unpleasant) inyaudzosingwi yekubata chinhu chinonamira.
  • Nyanja vanoti chipomera kana chipomere (a war-cry; war cry; noise of a multitude) kureva chikurudzirano chemauto kana ruzha rwechaunga.
  • VaLenje neVaBemba vanoti ambukila (infectious, contagious) kureva kutapukira.
  • Zigula inoti kwambukiza (infect, transmit, transmitting). Maconde inoti -tapuka (v. stick to; adhere).
  • VaMambwe vanoti -ambucila (to spread, spread as fire, infect as disease) vachireva kutapukira.
  • VaMambwe vanoti -ambucizya (to infect, contaminate, to pass on a disease) vachireva kutapukidza.
  • VaDigo nevaSwahili vanoti kuambukiza (to infect with disease) vachireva kutapurira chirwere.
  • Mbukushu vanoti thitapa (n. gift, duty). Mamwe mazwi: -tapa (v. to give).