Kunyangarika

Kubva Wikipedia

Kunyangarika (disappear; vanish) zvinoreva kushaika kubva panzvimbo kwechinhu kana munhu ambenge aripo. Vamwe vatauri vanoti kunyereteka, kunyerenyendeka, kunyangara.

  • Munguva yehondo yeChimurenga vanhu vazhinji vakanyangarika vakasazowonekwa zvakare.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kunyereteka; kunyerenyendeka; kunyangara (disappear).
  • Kunyenguka (disappear into) apa kureva kunyangarika kwechinhu chapinda mune chimwe. Iri izwi rinokwanisa kuzoshandiswa kuturikira inonzi fusion kuEnglish.
  • Kunyeruka kana kuverera (disappear by fleeing, abscond; ran away secretly) apa kureva kunyangarika kwekunge munhu achitiza kubva panzvimbo.
  • Kunyangaridza (delete, erase).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • BaKalanga vanoti nyeledza (cause to disappear). Mamwe mazwi: nyelela (disappear; evaporate).
  • Herero vanoti kupenguka (disappear out of the midst of others; turn aside; turn out of the straight course; go sideward).
  • MaZulu vanoti nyelela (to go privately) vachireva kunyeruka?
  • MaZulu vanoti nya (of nothingness, disappearance, ending, silence) inyaudzosingwi inodudza kunyangarika kuti nya. Sokuti: Ufe nya (He is quite dead).