Kugovanisa

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo masvomhu, kugovanisa (division in English) chiitiko chinoshandiswa kutsvaga kuti nhamba inokwana kangani (kana kupinda kangani) mune imwe nhamba. Somuenzaniso kana kuchitsvakwa kuti 3 anopinda kangani muna 6, kunonyorwa sezvizvi:

6 ÷ 3 = 2

Kuunga kune hukama nekugovanisa; zviitiko izvi zvine simba rinoita zvakapesana sezvizvi:

6 = 3 * 2

Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Maonero maviri

Ngatitarisei muenzaniso

a ÷ b = c
  • Kugovanisa tinogona kuonesana sokutora boka rine nhengo a, nokupatsanura nhengo idzi kuchigadzirwa mapoka b akaenzana pahuwandu hwenhengo dzawo. Huwandu hwenhengo c hunodanwa kunzi mungani - quotient in English
  • Govaniso inokwanisa kutsanangurwa sokutora boka rine nhengo a, nokuwumba mapoka rimwe nerimwe rine nhengo b. Huwandu hwemapoka aya, c, ndiwo mungani cha a na b.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakakosha kuti pawanikwe kuturikira kwemashoko anozivikanwa kare kuEnglish, uye kujekesa kuti huwandu huri kugovewa ndeupi:


  • Dividing inenge ichinzi kugovanisa.
  • 10 divided by 2, :10 ÷ 2 = 5 inenge ichinzi Gumi (10) kugovaniswa pambiri (2); kana kuti govanisa gumi pane mbiri. Apa tinoda kuti zvijeke kuti zvinhu 10 ndizvo viri kugovewa
  • How many times does go 2 into 10 kunonzi 2 anopinda kangani muna 10.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti mukovho (n. division).