Dzinokambaira

Mhuka dzinokambaira (reptiles) kana dzinozoya iboka remhuka dziri pamupanda wemhuka dzemuzongoza; mhuka idzi dzine mapapu; dzine makwati uye dzinobereka dzichikandira mazai. Boka iri mazuvano rine mhuka dzinoti: kamba yepadunhu; kamba yemumvura; madzvinyu uye makarwe.
Boka remhuka idzi dzine makumbo mapfupi anoita kuti dziite sedzinokambaira miviri yadzo iri pedyo nevhu.
Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Makwapa (rough surface, as the body of a reptile).
Chirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Chidamoyo hamba yakada makwati.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- VaGiryama vanoti mududu (reptile).