Jenjazi
|
Jenjazi (Chingezi: Parkinson's Disease, PD) kana Chirwere cheJenjazi chirwere cheuropi chisinga rapike. Chiratidzo chikuru chechirwere ichi ndechekuti murwere anenge achi jenjemera kana kuti kugwagwadza zvakanyanya asina zvaano kwanisa kuita nazvo. Kujenjemara kwacho kwunoitika nguva dzose.
Jenazi chirwere chorunhamborefu (chronic) kureva kuti chinogarisa nguva yakareba kana hupenyu hwose hwemunhu, chiri mubazi re zvirwere zvinonzi hosha ye dhijeneritivhi (degenerative disorder) uye chinotambudza Udzira Mtandi woPakati (CNS) rinonyanyisa kubata mutandira we mota (motor system).
Masimputomu anowanzo buda zvishoma nezvishoma, uye nekunyanya kwechirwere, masimputomu asiri e mtandira we mota anowonekawo. Masimputomu anotanga kuoneka i kudedera (tremor), rigidity, uporepore we uhamba, uye kukona kutaura. Matambudziko e ungwaru (cognitive) ne maitiro anogona kuitikawo futi, pamwe ne dhipuresheni (depression), Netsekanohuru (anxiety), ne apathy zvese zvinoitika muvanhu vane jenjazi. Hurivari kana Urashakumbuko (dementia) rwe Jenjazi runooneka nekuenderera kwe masteji echirwere chacho. Avo vane jenjazi vanogonawo kunetsekana nemitandira yekurara ne kusensa (sensory). Masimputomu emota echirwere anopedzisira akonzeresa rufu rwe nyere mu substantia nigra, rhijoni yepakati pehuropi, zvichiita kuti dhopamini ipunguke. Rufu rwenyere dzacho hanunyatsonzwisiswa, asi unosanganisa kuunganidzwa kwe mapurotini asina kupetwa kwazvo (mis-folded) mumwiri ye Lewi mumanyuroni. Pamwe chete, masimputomu emota makuru anozivikanwa wo se ujenjazi (parkinsonism) kana dovodzano ye Jenjazi.
Mazwi ashandiswa[chinja | edit source]
- Runhamborefu kana kuroniki kureva (chronic)
- Shoko rechishongrish rokuti dhijeneritivhi ndirorashandiswa, reChivanhu chairo rinodikanwa (degenerative)
- Hosha kureva (disorder)
- Udzira Mtandi woPakati (UMP) kana futi Dandaudzira rePakati (DP) kureva (central nervous sytem)
- Mtandira weMota kana Mtandira weUhamba (motor system)
- Netsekanohuru (anxiety - kureva kunetsekana kakuru)
- Hurivara (kureva dementia, kubva pashoko rekuti kurivara rinoreva kukanganwa forgetfulness. Kana pane rimwe shoko ngariiswe pamusoro peiri, ndavonga)
- Urashakumbuko (lose memory) kureva dementia - kubva pashoko rokuti kukumbuka (remember) mumitauro ye Chibhantu.
- Dhopamini (kureva dopamine)
- Kupunguka (deficiency)
- Dovodzano ye jenjazi (parkinsonian syndrome)
- Mwiri-lewi (lewy bodies)