Jecha
Mataridziko
Jecha kana rushesha (sand in English) imhando yevhu inowanikwa zvikurusei murwizi kana kumahombekombe egungwa. Jecha rine tsanga hombe pane dzimwe mhando dzevhu zvokuti jecha rinotendera mvura kumimina zviri nyore. Nekudaro jecha rinoshandiswa kubvisa tsvina yemagodo kubva mumvura inenge ichicheneswa kuti ive inonwiwa nevanhu.
Jecha rinobva pamatombo akasiyana, saka zvakagadzira jecha zvinosiyana zvichienderana nokuti matombo enzvimbo iyoyo akagadzirwa nemuchegwa wakaita sei. Muchegwa unowanikwa mujecha zhinji unonzi silica.

Zvinoshandiswa Jecha
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Jecha rinoshandiswa kuvaka richisanganiswa nesamende.
- Jecha rinochengetwa mudzimba kuitira kudzima moto.
- Jecha rinodiwa mumabhaera anobika simbi kuitira kubata manyara uye kuderedza hujoto hunoshandiswa mubhaera.
Mitauro ye Afrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Lenje vanoti musenga (sand) kureva jecha. Chewa vanoti muchenga (sand) kureva jecha.
- Kimbundu vanoti senga kana seke (sand) kureva jecha.
- Shimaore vanoti mutsanga (n. sand; beach) kureva jecha.
- Manga Kanuri vanoti kesa (n. fine white sand). Mamwe mazwi: kèsá (adj. sandy colour).

