James Chimombe

Kubva Wikipedia

James Chimombe (1951–1990) aiva muimbi wemuZimbabwe airidza gitare . Akaridza nezvikwata zvinoti OK Success, Acid Band, Ocean City Band, uye Huchi Band . Mumhanzi wake waive nehunyanzvi hwezvidavado zvaitorwa kune dzimwe nyika sekuKenya, South Africa neDR Congo . James akashandawo American Country uye zvimwewo zvaitorwa kubva kumimhanzi yekunyika dzemavirazuva. achivasanganisa neshasha dzeAfrica uye achitungidza chiedza nemitsara yegitare. VaJames Chimombe vanozivikanwa nezita rekuti Phil Collins wekuZimbabwe . Dai ari mupenyu nhasi angadai aizivikanwa nezita rekuti Tuku. Tuku naChimombe vose vanakomana veHighfields inonzi Fio. Mumhanzi wake wainakidza uye wairatidza moyo wetsika dzechiShona.

Nhooroondo yake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chimombe ndiye akatanga kuridza gitare rerhythm naThomas Mapfumo naOliver Mtukudzi . Akazoenda kuBlacks Unlimited uye OK Success. Sechimwe chezvikwata zvemuZimbabwe zvekutanga kugara muCongo, OK Success yakatsvaga vaimbi vemuZimbabwe vepamusoro uye yakagadzira mhanzi dzakatevedzana mumakore ekuma1960 nekuma1970.

Paul Tangi Mhova Mkondo muridzi weClub Hide-Out 99 ndiye akabatsira mukuumba James Chimombe uyo aive muimbi anogara paClub Hideout 99. Mumakore ekuma1980 Chimombe aitungamira chikwata cheOcean City Band, uye akatungamira chikwata cheHuchi Band kusvika ashaya. Akamboitawo nguva aine Real Sounds of Africa . Akadzingwa muOcean City Band uye chikonzero hachina kumboziviswa kune veruzhinji, akaenderera mberi nekugadzira chikwata chake cheHuchi Band chaakatungamira kusvika parufu rwake, nzimbo mbiri dzakatsikiswa neHuchi Band akazoburitswa mushure mekufa kwake. Chimombe anozivikanwa zvikuru nenziyo dzake dzinoti Jemedza, Kudakwashe, George Mudiwa naBindura. Chimombe akatsinhirwa zvikuru neMotown Stars kunyanya Lionel Richie. Chimombe nechikwata che OK Success vaimboimba pamwe nekuridza Lionel Richie paClub Hide Out 99 apo aive muimbi aigara.

Discography Albums: Nyamupfukudza, J Chimombe uye The Ocean City Band Cecilia, J Chimombe ne The Ocean City Band Mavanga, 1982, J Chimombe ne The Ocean City Band Munakandafa,1987, J Chimombe ne The Ocean City Band Zvaitika, 1989, J Chimombe ne The Huchi Band Jemedza, 1990, J Chimombe ne The Huchi Band Early Hits Best of Chimombe Greatest Hits 1 Greatest Hits 2 Greatest Hits 3

Singles Kudakwashe Botswana, J Chimombe & Huchi Band Ropa rangu Karigaduri, J Chimombe & The OK Success Sweet Caroline, J Chimombe ne Acid Band Munhu, 1984 Mudzimu, J Chimombe ne Acid band Zvingashure, J Chimombe ne OK Success

Rufu rwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chimombe anofungidzirwa kuti anga aine utachiona hwemukondombera, asi izvi hazvidzikisi kudiwa kwaakaitwa nezvizvarwa zveZimbabwe, zvikuru vekuHighfields, Chitungwiza, Harare neBindura.

References[chinjirudza | chinjirudza mabviro]