Guyo neHuyo
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuHuyo)
Guyo zvinoreva hwendefa yedombo yakakwenenzverwa inoshandiswa kukuyira mhodzi dzakaita senzungu kuita dovi. Rimwe dombo diki rinonzi huyo ndiro raishandiswa richikwizira nokupwanya mhodzi kuti dzipwanyike.
- Guyo (upper millstone in hand grinding) dombo rekumusoro rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
- Huyo (lower millstone in hand grinding) dombo rekuzasi rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
- Dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone; 2.little grain to be ground) - apa kureva kamurwi kembesa dziri paguyo. Vamwe vaturi vanoti njera; pita kana zunzu. Vamwe vanodudzira njera vachiti kudya kwakakwanirana nezuva iroro - a day's portion of grain.
- Morwa (Partially ground meal set aside for occasion when its final grinding will be done).
- Kumhotsa (Grind to fine powder) apa zvichireva kuotsa pakukuya kana kugaya.
- Dzinde kana dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone).
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kuya uchimhotsa: grind finely.
- Mhondo kana nhombo (Small upper grindstone for snuff) apa kureva huyo ndiki inokuyiswa fodya yemumhuno. Manhombo rikagova zita remhuri.
Zvirevo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kwaunobva kanda huyo, kwaunoenda kanda huyo.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti isiseko (Small, hard stone used for roughening the surface of the grindstone and for supporting it when rickety).