Guyo neHuyo

From Wikipedia
(Redirected from Dzinda)
Jump to: navigation, search

Guyo zvinoreva hwendefa yedombo yakakwenenzverwa inoshandiswa kukuyira mhodzi dzakaita senzungu kuita dovi. Rimwe dombo diki rinonzi huyo ndiro raishandiswa richikwizira nokupwanya mhodzi kuti dzipwanyike.

  • Dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone; 2.little grain to be ground) - apa kureva kamurwi kembesa dziri paguyo. Vamwe vaturi vanoti njera; pita kana zunzu. Vamwe vanodudzira njera vachiti kudya kwakakwanirana nezuva iroro - a day's portion of grain.
  • Kumhotsa (Grind to fine powder) apa zvichireva kuotsa pakukuya kana kugaya.
  • Dzinde kana dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone).

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Kuya uchimhotsa: grind finely.
  • Mhondo kana nhombo (Small upper grindstone for snuff) apa kureva huyo ndiki inokuyiswa fodya yemumhuno. Manhombo rikagova zita remhuri.

Zvirevo[chinja | edit source]

  • Kwaunobva kanda huyo, kwaunoenda kanda huyo.