Gwarazima

Kubva Wikipedia

Gwarazima (kuturikira, nge. algorithim) kana futi mukwarazima paimwe nzira yekutaura. Apa gwarazima unenge uri mutowo wakarongeka uye wakanatsa kudenengurwa unotaura matanho akafanirwa kutevedzwa pamishumo yeMasvomhu uye yemaKombiyuta.

Kupiwa kwe Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

KuChingezi izwi rokuti Algorithm rinodudzirwa richinzi: - a set of rules for solving a problem in a finite number of steps, as for finding the greatest common divisor. Izwi iri rinotodza zita remurume wekuPerusiya aiva nyanzvi yeMasvomhu ainzi Al-Khwarizimi. Mukuturikira kuChiShona pashandiswa mazwi anoti: gwara kureva nzira, uye nzima kureva divi renzira risina kureruka kudarika. Izwi rokuti nzima rapfupiswa rikava zima kuti zvitodzane nekutaurika kwezita raAl-Khwarizimi.

Izvi zvoreva kuti Algorithm inodiwa pakushanda zvinhu zvisina kureruka, zvinoda kuitwa nomutowo wakanatsa kudenengurwa. Pahuzhinji Algorithms inenge yonzi makwarazima.

  • Zvakanaka kuonesana kuti mazwi okuti mukwarazima kana gwarazima haako kuChiShona inodzidziswa kuZvikoro, asi munyori ari kuedza kuumba mutauro unoturikira zviri kutaurika mazuva ose kuChingezi.