Jingamweya

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuGute romweya)

Jingamweya (kureva atmosphere) uchinji futi, ruchingamweya, jingaromweya, kana guteromweya, ndiro shoko rinoturikirwa ndaba ye sainzi yezve mweya watinofema uyo wakatikomberedza. Shoko rokuti gute rinotaura chinhu chakakomberedza.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Jingabenyu (biosphere) igute rakakomba nyika rnowanikwa zvinhu zvipenyu kusanganisira: vanhu, mhuka, miti, hove zvichingodaro.
  • Jingarukota (n. troposphere) igute rakakomba Pasirose rinowanikwa mhepo dzinomonereka.
  • Jingasanza (n. Stratosphere) kureva chikuta chakakomba pasirose chine mizera yakapandana yakaumba chikuta ichi.
  • Jinga reGomo (n. area at the foot of a hill or surrounding a hill) zvinoreva nzvimbo iri muzasi uye pedyo negomo.

Mitauro yemuAfurika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Luwanga vanoti oluchinga kana olukuku (coast, shore, banks). Kikongo vanoti jingidila (surrounding animals in a hunt).
  • Chewa vanoti kuchinga (to fence). Chewa vanoti chinga (a fence, a temporary stockade).
  • IsiZulu vanoti jinga (v. Be continually at, keep near to, stick close to, follow closely; importune, pester; frequent).
  • Zulu vanoti umjingandlu (1. Species of brown snake, fond of frequenting huts. 2. Boy who habitually stays at home. Lit. what frequents the house).
  • Kimbundu vanoti jinga kana jinge (always, ever; at all times; evermore). Mamwe mazwi: kujinga (strolls, surrounds, whirlpools).