Gumbeze

Magumbeze pamusika ku(Algeria)
Gumbeze ijira rakakora rinofungwa kana vanhu vorara kuti vadziyirwe.
KuVaShona kune tsika yokuti kana munhu atanga kushanda anotengera vana ambuya vakabereka baba naamai vake gumbeze.
Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Munhu uya haabvaruri magumbeze - apa kureva kuti munhu wacho haarari nokuti anenge achiroya.
- Jari rudzi rwegumbeze rine mupendero une pfunha.
- Zviri kwauri gumbeze kufuka kana kuwarira.
- Shoko rokuti gumbeze rinobva kushoko reAfrikaans rekuti kombers kureva gumbeze.
- Makarekare vakanga vachiruka magumbeze nemakavi avaiti magudza.