Gowodzanwa

Kubva Wikipedia

Mashoko okuti gowodzanwa kana mukowodzanwa ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi synergy kuEnglish kunova kubatirana nokushandidzana kwezvinhu zviri kucherechedzwa. Gowodzanwa rinoonekwa pakuti boka rinobatirana pamabasa rine mubishingo wakakura kudarika zvingadai zvakagonekwa nezvikamu zvisina kubatirana. Mukowa izwi rinoreva kushanda basa zvikurusei basa rinorema. Izwi rokuti synergy rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: syn- uye ergon zvichireva working together in a harmonious relationship.

Muenzaniso weGowodzanwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kubatirana kwemuchenje muchitsuwa chawo chaunogara; kunonzi majuru ndiwo vashandi, muchenje ndiwo masoja, ishwa ndidzo nzvari.
  • Nyuchi mumhango madzo dzine mapoka anobatawo mishumo yakatsukana.
  • Mitezo yemuviri inoshanda basa gurusa mukubatirana kwainoita kudarika zvinogonekwa kana mime mitezo isipo.
  • Miti yemichero nemaruva zvinobatsirikana nekuti nyuchi padzinomhara dzichitsvaga kudya dzinotakura mukume kubva padzinde kuenda pane rimwe, izvi zvinova zvinogonesa kuberekwa kwemichero.

Shoko rokuti gowodzanwa hariko kumutauro weChiShona chamazuvaose, asi kuedza kuwumba mashoko anoturikira zviri kuEnglish.