Gora (Shiri)

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Necrosyrtes monachus.jpg

Gora kana godzi (Vulture in English) ishiri huru inogara musango inowanikwa muZimbabwe. Gora ishiri inodya nyama inotevera zvinenge zvasiyiwa nezvikara zvesango pamapfupa emhuka dzinenge dzaurayiwa. Kana shumba; dindingwe; nembada zvapedza basa razvo magora anoswedera pedyo achidya zvasara. Magora anodya chero chafa chega.

Shiri iyi ine muromo wakapinza zvokukwanisa kubvarura dehwe remhuka.

Tsumo[chinja | edit source]

  • Godzi paakadya nhiyo haapakanganwi. Where a hawk has eaten a chick it does not forget.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaNyungwe vanoti gola (n. vulture) kureva gora.