Dhumbudya

Kubva Wikipedia

Dhumbudya: aya zvipembenene zvinodyiwa uye zvakafanana nemhashu asi zvakatitsongei zviri zwidiki uyewo zviine muviri uneruvara rwakafanana nemashizha emiti. Zvinonyanya kuonekwa munguva yokunaya kwemvura. Madhumbudya anobhururukawo semhashu. Madhumbudya, kana abikwa, ane mafuta akawanda kudarika mhashu.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vatauri veSwahili kuKatanga DRC vanoti tsenene kureva dhumbudya.
  • VaVenda vanoti nzie kureva dhumbudya.
  • VechiNdebele vanoti swabanda kureva dhumbudya