Dandira
Mataridziko
- Dandira (Spider's web; cobweb) chirukwa chino itwa nezvipembenene zvinonzi madandemutande.
- Dandira (A type of creeping plant) nderumwe rudzi rwedzinde rino gona kuwanikwa mumunda sebundo rino kura rotandira pasi panzvimbo yaka kura kana kumonera pahunde yomuti rotevedza matavi ese emuti uyu.
- Dandira (System) rino revawo mutowo wokuita basa nenzira yaka rongeka ino pota ichindzokororwa nguva dzose - regular, organised procedure, system.
![]() |
Zanhi rinori ndere kutsauranisa chirevo, rino dorongotsa sipwi dzine matumidzo akafanana. Kana kochekedzo yorukati yakuunzai pano, ringai matumidzo akadorongotswa pamusoro apo kuti muwane ramunoda uye mukwanise kuenda kwariri. |