Chironga (mutauro)

Kubva Wikipedia
Chironga
Unetivhi: Mozambiki, Afurika Chamembe
Vatauri

vechinetivhi

720,000 (2006)
Mhuri ye

mutauro:

Naija–Kongo?
Makhodhi eMutauro
ISO 639-3 rng
Glottolog rong1268
Khodhi

ye Guthrie

S.54
Linguasphere 99-AUT-ddincl. varieties99-AUT-dda...-dde

Chironga (muChironga: Xironga; Shironga kana Gironga) mutauro weBhantu kubazi reTswa-Ronga unotaurwa kumaodzanyemba kweMaputo kuMozambiki. Inopinda zvishoma muAfurika Chamhembe. Iine vanhu vangangosvika 650,000 vatauri muMozambiki uye vamwe 90,000 muAfurika Chamhembe, ine mitauronyina inosanganisirachi Konde, chiPutru ne chiKalanga.

Nyanzvi yekuSwitsalendi inonzi Henri Alexandre Junod inoratidzika kunge yakave nyanzvi yemitauro yekutanga kuidzidza, mukupera kwe Zanagore 19.

Bumbiro re mabhi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Bumbiro re mabhi aro akafanana ne eChitsonga sekupihwa kwayakaitwa nemamishinari eMethodhisti nevagari vechiPutukezi.

Bumbiro re mabhi e Methodhisti
Bhii: A B C D E G H I J K L M N O P R S Ŝ T U V W X Y Z
Enzano: a b~β d e~ɛ ɡ h i k l m n ŋ ɔ~o p r s ʂ t u v w ʃ j z ʐ
Bumbiro re mabhi muna1989
Bhii: A B By Ch D E G H Hl I J K L Lh M N O P Ps R S Sv Sw T U V Vh W X Xj Y Z Zv Zw
Enzano: a b~β b͡ʐ d e~ɛ ɡ h ɸ i k l ʎ m n ŋ ɔ~o p p͡ʂ r s ʂ t u ʋ v w ʃ ʒ j z ʐ

Dudziramutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

tarisai peji re Dudziramutauro / dutsamutauro

Chironga ine zvivakamutauro iri pedyo ne Chitsonga munzira dzakawanda zvekuti vakuru vekuverenga vanhu vanogara vachiiona semutauro; mazita ayo esistimu ye kirasi akafanana zvakanyanya uye maitiro ayo ekutaura anenge akafanana. Musiyano wayo unonyanya kuoneka isimba rakakura kubva kuPutukezi, nekuda kwekunge iri padyo neguta guru reMaputo (yaimbova Lourenço Marques).

Uvaranomwe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nwadhi rokutanga kubuditswa muChironga raive Vhangeri ra Johani yakashandurudzwa zvakanyanya naHenri Berthoud kubva kuSwiss Romande Mission [de]. Rakabuditswa ne Nzanga reBhaibheri reBhuritani ne Vapara (British and Foreign Bible Society) muna 1896. Imwezve shanduro yakaitwa naPierre Loze anobva kuMission Romande (Swiss Romande Mission) naH.L. Bishop (Wesleyan Methodist Missionary Society), achibatsirwa naJeremia Caetano naEfraim Hely. Testamende Itsva yakabudiswa muna 1903, uye Bhaibheri rose rakabuditswa neNzanga reBhaibheri reBhuratani ne Vapara muna 1923.