Cecil Rhodes

Kubva Wikipedia
mfananidzo wamuNgezi Rhodes.

Cecil Rhodes (5 Chikunguru 1853 - 26 Kurume 1902) aive muNgezi akazvarwa muAfurika Chamhembe muzvinabhizimisi uye wezvematongerwo enyika. Aive mwanakomana wemufundisi weAnglikeni (Anglican). Akapedza chikoro chegirama ye Chingezi uye pazera remakore gumi nematanhatu akatumirwa kuKhoroni yeBhurtiani yeNatal muAfurika Chamhembe nekuda kwehutano husina kunaka. Ikoko akatanga kuita basa rekuchera mangoda uye akatanga kambani ine mukurumbira pasi rose yeDe Beers. Akazodzokera kuVungezi (England) kwenguva pfupi kunodzidza paOriel College, Oxford. Ndiye akatanga Rhodhezhiya. Akavamba Kambani yeBhuritani Afurika Chamhembe, mubatanidzwa waakatungamira kuti awedzere ndima yeBhuritani kuchamhembe nekuumba Rhodhezhiya. Vakave Prime Minister weCape Colony kubva muna 1890 kusvika 1896. Vakatsigirwa neAfrikaner Bond muCape Colony kusvika vavatengesa nekutsigira kumukira kuhama dzavo, maBoers eRudhende rwefurika Chamhembe. Akaronga iyo Jameson Raid, yakatungamirwa neshamwari yake yepedyo Leander Starr Jameson muna 1895, mushure mezvo Bond yakamumanikidza kusiya basa. Akatsigira Liberal Party neIrish Parliamentary Party mune zvematongerwo enyika, kuUK. Rhodes, akatanga chirongwa cheRhodes scholarships kubva panzvimbo yake, achibvumira vagari venyika dzeBhuritani, Amerika neJerumani kuti vadzidze kuOxford pabhezari kana vakaratidza humwe hunhu hwedzidzo uye hunhu. Aive Freemason. Zvinotendwa kubva kunyanzvi dzakawanda kuti akanga ari mukuru wevachena. Mumakore ake ekupedzisira akateverwa naMamoyo/Chandakadzi Catherine Radziwill, mushanyi wekuPoriska.[1]

Mashoko ashandiswa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mamoyo kana Chandakadzi/Chindakadzi - mashoko arikuturikirwa princess kuChishona. Mamoyo izita revakadzi vanoera moyo, rinonyatso zivikwa nekuda kweVarozvi-Karanga vaiyera moyo vakambotonga. Chandakadzi kana Chindakadzi riri kubva pashoko rokuti jinda/muchinda/muchanda kureva prince, asi ririkuwedzerwa -kadzi sezvinoitwa pana mambokadzi, kuzivisa kuti arikutaugwa nezvake ndi princess, kuitira kana shoko rokuti Mamoyo risingaite kushandisa nekuti rakakosha kuAnanayeraMoyo.

Mamwe mazanhi okutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

shoko rokuti jani uye zani/zanhi raishandiswa kuturikirwa peji kana bepa muChishona.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Simple enwiki