Cecil Rhodes

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuCecil John Rhodes)
mfananidzo wamuNgezi Rhodes.

Cecil Rhodes (5 Chikunguru 1853 - 26 Kurume 1902) aive mungezi akazvarwa muAfurika Chamhembe muzvinabhizimisi uye wezvematongerwo enyika. Aive mwanakomana wemufundisi weAngirikani. Akapedza chikoro chegirama ye Chingezi uye pazera remakore gumi nematanhatu akatumirwa kuKoloni ye Bhurtiani yeNatali muAfurika Chamhembe nekuda kwehutano husina kunaka. Ikoko akatanga kuita basa rekuchera mangoda uye akatanga kambani ine mukurumbira pasi rose yeDe Beers. Akazodzokera kuVungezi kwenguva pfupi kunodzidza paKoleji ye Orieli, Okusifodhi. Ndiye akatanga Rhodhezhiya. Akavamba Kambani ye Bhuritani Afurika Chamhembe mubatanidzwa waakatungamira kuti awedzere ndima yeBhuritani kuchamhembe nekuumba Rhodhezhiya. Vakave Puraiminista weKepi Koloni kubva muna 1890 kusvika 1896. Vakatsigirwa neBhondi reFurikana muKepi Koloni kusvika vavatengesa nekutsigira kumukira kuhama dzavo, Mabhunu eRudhende rwefurika Chamhembe. Akaronga iyo Jameson Raid, yakatungamirwa neshamwari yake yepedyo Leander Starr Jameson muna 1895, mushure mezvo Bond yakamumanikidza kusiya basa. Akatsigira Bato re Libherali ne Bato re Parimende ye Eyire mune zvematongerwo enyika, kuUK. Rhodes, akatanga chirongwa cheMaskorashipi aRhodes kubva panzvimbo yake, achibvumira vagari venyika dzeBhuritani, Amerika neJerumani kuti vadzidze kuOkisifodhi pabhezari kana vakaratidza humwe hunhu hwedzidzo uye hunhu. Aive Freemason. Zvinotendwa kubva kunyanzvi dzakawanda kuti akanga ari mukuru wevachena. Mumakore ake ekupedzisira akateverwa naMamoyo Catherine Radziwill, mushanyi wekuPoriska.[1]

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

shoko rokuti jani uye zani/zanhi raishandiswa kuturikirwa peji kana bepa muChishona.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Simple enwiki