Kupopota
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuBopoto)
Chinyorwa chino chakaunganidza mazwi anoreva kupopota:
- Kurwa; kujejedana (chechetana); kuita gakava; kuita gangai; kupesana. (quarrel, fight).
- Kuita rukave; kutukana ; kuchenjezana; kutekesana; kupopongana; kupopotana (quarrel with words).
- Kuva neziyambira kana kuvamba (seek a quarrel). Vemamwe matunhu vangati kuva neziyambira. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Ziyambi?
- Ruyambira (n. quarrelsomeness) zvinoreva kuva nemweya wekungopopota.
- Kutukana, nhatara, bope kana makovore.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mashoko anoreva katsika kekupopota - quarrelsomeness: rusosera, rutaya, rutsida, ruyambira, chikungo.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mvura bvongodzeki ndiyo garani. Apa kureva - Zvinhu zvinotanga zvakaoma kana zvakagosha zvisati zvanaka. Rough and difficult times usually precede stable and peaceful times.
- Chigarisano ndicho chine mhosva. Acquaintance is the source of friction.
- Chigarisano chinodana matukano. Acquaintance breeds quarreling.
- Nharokadzi ihunza mhosva.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Swahili vanoti gomba (quarrel, squabble, wrangle; oppose, contradict; refuse. 2. go on a strike, strike). Mamwe mazwi: gombea (appl. quarrel, argue (about something); stand up for, lay claim to).
- VaSwahili vanoti gombezeka (be reprehensible). VaSwahili vanoti gombana ( ass. quarrel fall out, have words (with each other).
- Zigula vanoti kugomba (fight, quarrel, complain, argue). Mamwe mazwi: kugombana (fight each other; argue with each other).
- VaZigula vanoti kugombera (fight for/over; defend; stick-up, protect; argue for). Mamwe mazwi: kugomberwa (be fought for; stuck up for).
- VaWanga vanoti okhusolana (quarrel, squabble) kureva kusorana. Yao vanoti ndeo (a quarrel) kureva bopoto. Lugwere vanoti kutongana (v. quarrel).