Babamunini

From Wikipedia
(Redirected from Babamudiki)
Jump to navigation Jump to search

Babamunini kana babamudiki (father's younger brother) zvinoreva munin'ina wababa nyakubereka. Mukutaura wekupfupisa vamwe vanoti bamunini kana bamudiki.

Humwe Hukama[chinja | edit source]

  • Murume akaroora munin'ina wemukadzi wako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.
  • Murume akaroora munin'ina waAmai vako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.
  • Murume akaroora mwana wehanzvadzi yaAmai vako anodanwa kunzi babamudiki.
  • Murume akaroora mwana wehanzvadzi yemukadzi wako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje vanoti wunini (smallness; fewness, thinness; lack) kureva hushoma; hutete; kana kushayiwa.
  • Vatauri veKizigua vanoti tate mdodo kureva babamunini.