Baba Jukwa

Kubva Wikipedia

Baba Jukwa izita remadunhurirwa rinoshandiswa pamagwaro ezve matongerwo enyika ari kunyorwa padandirautande - internet. Magwaro anonyorwa naBaba Jukwa akanangana nekufumura mabasa ehuwori akaitika, ari kuitika, neaari kurongwa kuitwa munyika yeZimbabwe. Baba Jukwa vanonyanya kunyorera boka riri papeji yeFacebook. Kune vanhu vanodarika 300,000 vanovashanyira paboka iri apo pavakavarura peji ravo rine zita irori rokuti Baba Jukwa. Hazvizivikanwe kuti Baba Jukwa munhu mumwechete here kana kuti chikwata chevanhu, uye hazvizivikanwe kuti vanonyora vari muZimbabwe here kana kuti kunze kwenyika. Mukutarisa musiyano wemanyorero ezvinotaridwa papeji yaBaba Jukwa, kune fungidziro yokuti Baba Jukwa havasiri munhu mumwechete asi chikwata chevanhu vanobatirana pabasa iri.


Huchapupu hwaBaba Jukwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baba Jukwa vanonyora vachipupura kuti ivo inhengo yebato reZanu-PF. Mukutaura kwavo Baba Jukwa vanoti ivo vatove nhengo yakapanduka kubva kubato iri asi moyo wavo uchiri mariri kuti rimutsiridzwe nokuparadza huwori huri mukati maro.
  • Baba Jukwa vanotaridza kuti vane ruzivo pamusoro peSangano reChenjedzo yeZimbabwe kana kuti Central Intelligence Organisation, muchidimbu (SCZ-CIO). Pane imwe nguva Baba Jukwa vakaburitsa mazita evanhu vanonzi inhengo dzeSangano iri pamwe nenhamba dzavo dzenhare, nenyembe dzavakashongedzwa muSangano iri. Izvi zvinopawo pfungwa yokuti pamwe Baba Jukwa inhengo yeSangano iri kana akamboshandamo ane shamwari dzichirimo dzinomupa humbowo hwezviri kuitika.
  • Baba Jukwa vanotaura zvinhu zvavanoti zvichangobva kuitika; izvi zvoda kuonesa kuti Baba Jukwa munhu ari pedyo nevakuru veZanu-PF uye pedyo neSangano reChenjedzo yeZimbabwe.
  • Baba Jukwa havanyore zvizhinji pamusoro penhoroondo yeHondo yeChimurenga saka hazvizivikanwe kuti mumwe wevanhu vakarwa muhondo iyi here. Vanonyora kunyanya zvine chekuita nevatungamiri vachiri kurarama.