Suwo
From Wikipedia
Suwo (Port of Entry kuEnglish) inzvimbo inopindwa nayo nevanhu pamwe nenhumbi. Takatarisana nehushangazhi, suwo inzvimbo yakatenderwa pamutemo wenyika kuti ipindwe nayo nevanhu kana nhumbi. Pamitemo yenyika pasuwo ndipo chete panotenderwa kupinda kwevanhu nenhumbi
Mhando dzeMasuwo [chinja]
Suwo rinogona kuva pamuganhu wenyika kana kuva mukati menyika.
- Masuwo ari pamiganhu yenyika yeZimbabwe anosanganisira: Beitbridge; Plumtree; Kazungula; Kariba; Chirundu; Nyamapanda; Forbes zvichingodaro. Masuwo aya inobatanidza Zimbabwe nenyika dzakaipoteredza dzinoti: Mozambique; South Africa; Botswana; Namibia; neZambia.
- Masuwo ari mukati menyika anosanganisira: Harare Airport; Joshua Nkomo Airport neVictoria Falls Airport. Panzvimbo idzi ndipo panopinda napo vanhu nezvinhu zviri kuuya nendege.
- Nyika dzine miganhu negungwa dzinoitawo masuwo ari pamahombekombe egungwa. Somuenzaniso Mozambique ine masuwo anoti: Maputo; Beira neNampula. South Africa ine masuwo anoti: Durban; Cape Town neRichards Bay.
Suwo reBeitbridge ndiro rinopinda nenhumbi dzakawanda kunyanya muZimbabwe.
Mabasa epaMasuwo [chinja]
- Kuchengetedza mitemo yenyika.
- Kutendera nokudzivisa kupinda kwenhumbi zvichitevedza mitemo yenyika.
- Kutendera nokudzivisa kupinda kwevanhu zvichitevedza mitemo yenyika.
- Kutambira mitero inobhadharwa pakupinda kwenhumbi nevanhu munyika yeZimbabwe.