Ndege
From Wikipedia
Ndege (Aeroplane) in English. Kuti ndege isumuke kune zvinhu zvakakosha zvinoti:
- Kugona kumhanya kusvika pamurumba wakakura unozogonesa ndege kusimuka.
[chinja] Puresha yemhepo
Kana mhepo ichinge ichivhuvhuta puresha yayo inodzika nekukwira kunoita murumba wemhepo. Kana murumba wemhepo ukaderera puresha yemhepo inokwira. Kucherechedzwa kwechiitiko ichi ndiko kunoshandiswa pakusimudza ndege kuenda mudenga.
Paye ndege inenge yomhanya panhandare yendege mweya unomhanya ichipesana nemapapiro endege. Puresha iri pasi pemapapiro inosiyana nepuresha iri pamusoro pemapapiro.
- Mweya uri kufamba nepasi pebapiro inefamba nhambwe diki pane iri kufamba nepamusoro. Izvi zvinokonzerwa nokuti pasi pakatwasuka, asi pamusoro pakaita hubumbe.
- Izvi zvoreva kuti mweya uri pamusoro pemapapiro unomhanya nemurumba wakakura kudarika uri pasi. Kusiyana kwemurumba kunokonzera kusiyana kwepuresha sezvataurwa pamusoro.
- Izvi zvinoreva kuti puresha iri pasi pebapiro yakawanda pane iri pamusoro pebapiro. Kuwanda kwepuresha kana kuti fosi pasi pemapapiro ndiko kunosimudza ndege kuenda mudenga.