Ruzivo nekutesvera pfungwa

From Wikipedia

Jump to: navigation, search

Roora

Roora mutengo onobviswa nomunhurume kana achinge odakugara no munhukadzi. Roora izwi rino shandiswa zvikuru muChivanhu chechiZezuru. Rinowanikwawo mumarudzi mazhinji echiShona akaita seChiKaranga kana Chimanyika. Roora rine zvikamu zvakawanda zvinosanganisira Makandinzwanaani, Matekenyandebvu, Kunonga, Kupinda mumusha uye Rusambo. Pane zvimwe zvakawanda zvinobviswa zvichienda nekuti vanhu ndeverudzi rupi.

Roora rinogona kuiswa muzvikamu zvinoti zvitanhatu

1. Zvidoko: Kureva zviripwa zvidokodoko zvakaita se makandinzwa nani, kupinda mumusah, mhwanya musha, nezviripwa ripwa

2. Zva Mai: Izvo zvinobvisirwa amai, se mapfukudza dumbu, nemommbe yeumai. Zvipfeko zvamai zvinobatanidzwavo ipapa.

3. Rusambo: Muripo wainzi makarekare mukomana abvise apo anenge aisa rusambo rwake pamusikana waanenge ave kuroora. Rusambo (kana kuti sambo or Shambo)runorukwa zvakanakisa nehuswa hunyoro rwoshandisa seshongedzo yekuisa mumaoko kana makumbo (zvingangofanana nema bracelet kana mabangle nhasi uno) zvino mukomana aizorupa kumusikana kuratidza kuti ndewake saka pakuroora airipiswa mbudzi imwe chete kana mbiri dzekuisa rusambo rwake pamwana wevaridzi. Ndopakabva zita rekuti Rusambo.

Rwaive rwuri muchikamu chezvidoko zvekuroora. Munhu haaibvumidzwa kutora mukadzi kana asina kubvisa rusambo uye haana waaibvunza kana aizowana mukadzi atorwa nemumwe kana asina kurubvisa, nekudaro Rusambo rwaive rwuchifanirwa kuve nemuripo wakaderera zvikuru nekuti hazvaiita kuti munhu aroora ozokundikana kurwudhadhara. Rusambo rwaionekwa zvakare sechiratidzo chokuti vabereki vemusikana havadi kuti mwana wavo aroorwe nemunhu arikumuda, kana kuti vanhu vanokara zvikurusa, vaingodeedzera kuti paRusambo vari kuda mombe imwe kana mbiri zvinova zvaitaridza kuti varikuomesa nekuti havadi kana kuti vari kuda kutopfumira ipapo.

5. Danga: Kureva zvipfuwo zvinobviswa , ruzhinji imombe, asi mazuvano vamwe vava kureva danga riri mumari, vozoda mombe imwe kana mbiri dzinonzi "dzinotsika" kureva mombe chaidzo mhenyu.

6. Majasi. Kureva zvipfeko zvinotengerwa vabereki vomukadzi. Makare kare, amai vaitengerwa gumbeze chete, nezvinhu zvakaita sebadza, nguwo yenhembe, ne chipfuko chekucheresa mvura. Izvi zvakazo shanduka zvo daidzira zvipfeko nzvamazuvano, gumbeze, nezvimwe. Majasi anoendeswa ne munyayi ari mu"butiro" kureva beki kana bhokisi , iro rinova chikamu chemajasi.

Kune dzimwe nzvimbo, kune zvimwe zvirango zvinobviswa mushure me roora rataurwa pamusoro apo. Kune mombe yechimanda , yaiurawa kuti idyiwe vanhu vachipemberera kuti mukunda abata pamuviri. Mazuvano vabereki vazhinji vava kungotema mombe yechimanda pamwe chete neroora.