Muchato

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Weddingring-JH.jpg

Muchato chiitiko chekunge murume nemukadzi vari kuroorana vachiita mhiko dzavo dzokugara vose. kazhinji kuitwa kwemhiko kunoteverwa nemhemberero apo vanhu vakakokwa vanenge vofara pamwe nevachati.

Muchato unokwanisa kuitirwa muKereke kana kuitirwa mudare raMudzviti. Vanochata vanowanza kunge vaine vafakazi vanopupura kuti vaona muchato uwu vachiisa runyoro rwavo pagwaro remuchato. Mukadzi anenge achichata anonzi mwenga, murume anenge achichata anonzi zenda kana kuti toti zendanomwenga.

MuZimbabwe nekune dzimwe nyika nhau yekuroorana inoperera pamberi pemhuri nevabereki pasina kuenda kunochata kuKereke kana kuhurumemnde. MuZimbabwe murume anenge aripa roora paanozopiwa mukadzi natezvara. Kunyika dzevarungu mukuwasha anopiwa mukadzi asina roora raaripa. Kune dzimwe nyika mukadzi ndiye anoripa mari achitora mururme kuti ave wake; iyi tsika inowanikwa kuIndia.