Hwarapakati

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRukwarapakati)

Muchidzidzo fundoyetsimba, hwarapakati (centrifugal) zvinoreva kufamba nerudzivo rwunobuda kunze rwuchitiza pakati, zvikurusei pakati pedenderedzwa. Shoko rokuti kukwara rinoreva kutiza.

  • Fosi yehwarapakati ifosi inoita makakatanwa neFosi yeRutondapakati. Apo Fosi yeRutondapakati inenge iri kukakatira mukati kuti mutumbi urambe uri kufamba mudenderedzwa, Fosi yehwarapakati inenge ichidhonzera kunze nokuda kwe inertia. Izvi zvinoonekwa kana bhazi riri kufamba pamugwagwa pane munyongo kana pakakombama. Fosi yeRutondapakati inokakatira bhazi mukati memunyongo ukuwo fosi yehwarapakati ichikakatira bhazi kunze kwemunyongo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vamwe vanoti kana kuvanga kureva kutiza.
  • Hwara (to escape, to escape from).