Fosi yeRutondapakati

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo fundoyetsimba, Fosi yeRutondapakati (centripetal) ifosi inokonzera mutumbi kufamba pamunyongo; inokonzera kuti mutumbi usataramuka kubva pachimiso chiri pakati pemunyonga kana denderedzwa. Mafambiro akadai anokonzerwa nokunge paine fosi ine yakananga kana kutonda pakati pemunyonga kana kuti denderedzwa.

Fosi yeRutondapakati (centripetal force) zvinoreva fosi inokonzera kuti mutumbi ufambe nespidhi isingachinje panzira yakaita denderedzwa. Fosi yeRutondapakati ine rudzivo rwakarurama nerudzivo rwemuchacha wemutumbi wacho.


Isaac Newton akatsangura achiti Fosi yehudzivapakati ifosi inokonzera kuti mutumbi ufambe nenzira yokunge uri kuvavarira kana kukwezvewa kuenda kune chimiso chiri pakati pedenderedzwa rinova nzira iri kufambwa nayo. Nokudaro mutumbi uyu unorambira mudenderedzwa iroro.


Tsananguro

Shoko rokuti centripetal rinobva pamashoko anoti centre and petere.

  • Shoko rokuti Centre rinoreva pakati.
  • Shoko rokuti Petere rinoreva "directed toward or seeking"

Naizvozvo shoko rokuti "centripetal" rinoreva "directed toward or seeking the centre".

KuChiShona kutonda zvinoreva kutarisa - facing in Engish.


Tsazaniso[chinja | edit source]

Ngatitii mutumbi une huremu, m, uri kufamba pamunyonga une taramunyongo r, nemuchacha we v m/s. Fosi yeRutondapakati inobata pamutumbi iwoyu inowanikwa netsazaniso inoti:

F = ma = (mv2)/r

Apa a anomirira rufangu.


Muenzaniso weFosi yeRutondapakati[chinja | edit source]

  • Kana satellite iri kufamba muboterekwa ichipoterera nyeredzi, Fosi yeRutondapakatiinobva kuFosi yegunganidzo yenyeredzi iri kupotererwa.
  • Kana mutumbi uri kuzeya pamuzerere (swing), Fosi yeRutondapakati inobva pakukakata kuri mutambo yakabatanidza mutumbi nedengerenge remuzerere.