Rudyi

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo Pimanyika, rudyi (right-hand in English) zvinoreva divi rinotarisa kuMaodzanyemba kana munhu akatarisa kuMadokero. Divi iri ndiro divi rakapesana nekune moyo wemunhu. Vanhu vanoshandisa rudyi vakawanda kudarika avo vanoshandisa ruboshwe. Kunoitawo vamwe vane chipo chekugona kushandisa zvose ruboshwe nerudyi.

Verudzi rweChiShona vanokoshesa kumhoresana neruwoko rwerudyi; vamwe vanokoshesawo kudya vachishandisa ruwoko rwerudyi. Hazvitariswe zvakanaka kana munhu akagashira chinhu noruwoko rweruboshwe. Vabereki vanoedza napose kugombedzera vana kuti vashandise rudyi pakumhoresa, kudya, nokugashira. Makarekare vadzidzisi vaiedza napose kukurudzira vana vechikoro kuti vashandise ruwoko rwerudyi pakunyora nokuita mamwe mabasa.

Asi kune avo vane ruboshwe rwakasimba kwave kuita vamwe vanoshandisa ruboshwe irworwo kudya nokuti kwavari ndirwo rwune simba.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaKabwa vanoti okuryo (right hand; right direction) kureva rudyi. VaLozi vanoti bulyo (n. right hand) kureva rudyi. Baila vanoti ku ludio (right hand; right direction) kureva rudyi.
  • VaZigula vanoti chilume (right hand; right direction) kureva rudyi. VaDigo vanoti kulume (right hand, right hand side) kureva kurudyi. VaGiryama vanoti mukono wa kulume kureva rudyi.
  • VaNyungwe vanoti -didi (n. right hand or side) idivi rorudyi. Mamwe mazwi:-didi (n. true, correct) kureva idi. VaGulu vanoti ukano wakulumi kureva rudyi.
  • MaZulu vanoti ekunene (on the right) kureva kurudyi. Mamwe mazwi: ukuhlala ekunene (to sit on the right hand side). Chopi vanoti munene (n. right hand).