Mhandara

Kubva Wikipedia

Mhandara (kureva virgin - muChindau anonzi mhandwe) musikana asati amborara nemurume kuita zvebonde kana kuti ane chipfuva chimbishi. Kana musikana achinge abva humhandara pane rukanda runonzi katahwi rwunodambuka paanosangan nemurume. Nekumwe kutaura kubva humhandara kunonzi kuboorwa. Tsika zhinji dzemuAfurika dzinokoshesa kuti musikana asvike pakuroorwa ari mhandara.

MuZimbabwe kana musikana achiroorwa kune zvirango zvinobhadharwa zvokutenda kuti musikana akawanikwa ari mhandara. Chirango ichi chinonzi chimanda. Kazhinji chimhanda chinobhadharwa iri mbudzi kana mombe, uye chinounzwa pamwe negumbeze.

Kana musikana achinge awanikwa asiri mhandara mombe yechimanda haibviswe. Vamwe vanosarudza kudaro vanobvisa gumbeze rinenge raboorwa buri, asi vamwe havatevedzi maitiro aya nokuti vanoti kunyadzisa munhu achave mudzimai wako paruzhinji.

Kune dzimwe nyika kwave nezvinoitwa nana chiremba kugadzirisa katahwi kanenge kadamburwa apo musikana anorara nemurume. Mukutaura kwemazuvano vechidiki vanoti musikana akabva humhandara anonzi mvandara, kureva kuti ave mvana isina mwana.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Usikana idambakamwe chikuru humvana. Apa kureva kuti kana humhandara ukaira wadyiwa nemunhurume hwatoenda hauchadzoka.
  • Ko kuti chigagairwa chemhandara zvinorevei?
  • Chisionekwa humhandara hwamai.

Zvimwe zviziviso:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ringira, mhandwe inozoita mimba, inozobereka mukororo, inozodudza zina rake kuti Imanueri: A virgin is pregnant; she will have a son and will name him Immanuel. (Isaiah 7:14, Bhaibheri reChiNdau).
  • Vamwe vatauri vanoti muvirigo (Virgin - from Latin virgo) kureva mhandara.
  • Hwanzvo kana homba (Girl of advanced marriageable age not yet engaged) zvinoreva tsikombi kana musikana wezera rekuroorwa asi asati awanikwa.

Mitauro yemuAfurika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kambaata inoti maandar-é (n. name for an obedient and responsible girl). Mamwe mazwi: maandar-í (n. obedient, responsible character).
  • Hadiyya inoti maandara (adj. goodness, quality). Luwanga inoti ulukhana (n. girlhood, virginity, hymen).
  • Swahili inoti kimanda (right, correct, true; genuine; fitting, proper; due). Lenje inoti musimbi (big girl, young woman) kureva musikana akura.
  • VaNgala vanoti nduma (n. single, unmarried). VaNyungwe vanoti dende kana madende (n. virgin/s) kureva mhandara.
  • VaDigo vanoti mwanamwali (n. virgin) kureva mhandara. VaGanda vanoti mwala kana bala pakuwanda (n. virgin/s) kureva mhandara.
  • Lugwere inoti buguuna (n. virginity; inviolate state, not tampered with sexually), humhandara.
  • VaLuba vanoti mvrigo (n. virgin. from Latin virgo) kureva mhandara. VaTiriki vanoti mukosi (virgin) kureva mhandara.

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]