Mumvuri

Kubva Wikipedia

Mumvuri (Shadow; also shade from the sun) zvinoreva nzvimbo iri panharaunda isiri kuwana chiedza nokuda kwokuti chiedza chakavhariridzwa nechimwe chiumbwa. Mumvuri unooneka kudivi riri seri kwedivi rine chiedza. Chiedza chezuva chinokonera kuti zvinhu zviri pasi zvive nemimvuri; kureba nekukura kwemumvuri iyi kunosiyana zvichienda nokuti inguvai yezuva.

Pamitumbi iri muchadenga, zuva nemwedzi ndizvo zvinogona kukonzera mimvuri yezvinhu.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bvute kana mabvute (Shade - regarded as shelter from the sun).

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tinotenda baba masvika pamusha wedu makaisa mumvuri wenyu pano. Aya mazwi okutenda mukuru anenge akushanyirai, mukafara nekuuya kwake, mumvuri wake ukaita kwamuri sokunge watonhodza pamusha nguva yokupisa.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Lenje inoti chimfuli (n. shadow, shade) vachireva mumvuri.
  • Swahili inoti kivuli (1. shadow, shade, shaded place; 2. vision, phantom, ghost).
  • Kinande inoti ekitutu kureva mumvuri. Shambala inoti kizuli kureva mumvuri.
  • Uyo Ibibio inoti mfuuro (n. coolness, shade, shady place, breeze) vachireva mumvuri.
Mumvuri weRambhi remagetsi pachidziro