Mukoma

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti mukoma (older brother of man or woman; older sister of woman or man) rinoreva munhu akaberekwa nababa kana amai vako anenge ari mukuru kwauri. Nekumwe kutaura shoko rokuti mukoma rinonyanya kushandiswa kutaura munhu wechirume anenge ari mukuru wauri mumhuri. Kana mukoma ave wechikadzi kunonyanya kushandiswa shoko rokuti sisi kana kuti hanzvadzi.

  • Shoko iri rinoshandiswazve kureva munhu akaberekwa nemunin'ina kana mukoma wababa vako - (older male cousin born to father's brothers). Mukoma kana munin'ina wababa ari kurehwa pano anenge ari munhu wechirume.
  • Shoko iri rinoshandiswazve kureva munhu akaberekwa nemunin'ina kana mukoma waamai vako - (older male cousin born to mother's sisters). Mukoma kana munin'ina wababa ari kurehwa pano anenge ari munhu wechikadzi.
  • Kana mukoma ave wechikadzi kunonyanya kushandiswa shoko rokuti sisi kana kuti hanzvadzi.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaWanga vanoti mbotso (n. brother, sister, sibling).
  • Herero vanoti ou-zamumwe (brotherhood) kureva chibhururu. Mamwe mazwi: ou-zamumwe (brotherly, brotherly manner) kureva chibhururu.
  • Xilenge vanoti inkoma kana vakoma (n. lord, chief). Mamwe mazwi: vukoma (n. majesty) kureva humambo.
  • Shilluk vanoti kömi (v. be on top; on top of, over; on) kureva kuva pamusoro. Fananidzai nokuti mukoma?