Munin'ina

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti munin'ina kana mushoma (younger brother or sister) rinoreva munhu akaberekwa nababa kana amai vako anenge ari mudiki kwauri pamakore ekuzvarwa. Nekumwe kutaura shoko rokuti munin'ina rinonyanya kushandiswa kutaura munhu wechirume anenge ari mudiki kwauri mumhuri. Kana munin'ina ave wechikadzi kunonyanya kushandiswa shoko rokuti sisi kana kuti hanzvadzi.

  • Shoko iri rinoshandiswazve kureva munhu akaberekwa nemunin'ina kana mukoma wababa vako uye ari mudiki kwauri pamakore okuzvarwa -(younger male cousin born to father's brothers). Mukoma kana munin'ina wababa ari kurehwa pano anenge ari munhu wechirume.
  • Shoko iri rinoshandiswazve kureva munhu akaberekwa nemunin'ina kana mukoma waamai vako uye ari mudiki kwauri pamakore okuzvarwa - (younger male cousin born to mother's sisters). Mukoma kana munin'ina wababa ari kurehwa pano anenge ari munhu wechikadzi.
  • Kana mukoma ave wechikadzi kunonyanya kushandiswa shoko rokuti sisi kana kuti hanzvadzi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTumbuka vanoti munung'una (n. younger brother) vachireva munun'una.
  • Maconde vanoti nnung'une kana vanung'une (n. younger sibling of the same sex).
  • VaNyakyusa vanoti unnuguna (n. younger sibling). VaNande vanoti omúlumúna (n. same sex younger brother).
  • VaChewa vanoti mng'ono (a younger brother) kureva munin'ina. Mamwe mazwi: nsuani kana asuani (cousin).
  • VaLozi vanoti munyani kana banyani pakuwanda (n. younger brother or sister ) kureva munin'ina.
  • Herero inoti omuangu (a younger brother) kureva munin'ina.
  • Herero inoti -uangu kana -utiti (younger; inferior) kureva muduku kana chiduku.