Sisi

Kubva Wikipedia

Hanzvadzisikana (Chingezi: sister) kana sisi mashoko anoreva munhu wechikadzi akazvarwa nababa kana amai vako. Shoko iri rinonyanya kushandiswa kana munhukadzi uyu ari mukuru kwauri.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Sisi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Sisi rinotaurazve munhukadzi akazvarwa nemukoma kana munin'ina waamai vako - apa mukoma kana munin'ina waamai ari kurehwa anenge ari munhukadzi.
  • Sisi rinotaurazve munhukadzi akazvarwa nemukoma kana munin'ina wababa vako - apa mukoma kana munin'ina wababa ari kurehwa anenge ari munhurume.

Shoko rokuti sisi murizvino rinoshandiswa pakasiyana, rinoshandisirwa hanzvadzi, mhuri, uye vanhu vasiri mhuri senge mukadzi waunoziva ari mukuru kana mudiki kwauri. Dzimwe nguva rinoshandisirwa mukadzi anogona kunge achidiwa nemurume, ishoko re chishamwari kana chidakadako. Saka sisi mazuvano i - female friend, sister, lady

Hanzvadzisikana ikuru ne idiki[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutsika dze Chishona pane mashoko anosiyanisa hanzvadzisikana ikuru ne hanzvadzisikana idiki. Muchikare paive ne rimwe shokor aishandiswa ne hanzvadzikomana kudana hanzvadzisikana yake, shokor iri raive murongoti[1].

Hanzvadzisikana ikuru inonzi:

Hanzvadzisikana idiki inonzi:

  • Munin'ina - sezvinoitwa futi hanzvadzikomana idiki futi.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaWabo vanoti mbaali (sister, brother) kureva mwananyina angava munhukadzi kana munhurume.
  • Nyakyusa vanoti dada (n. sister) kureva sisi.
  • Lunda vanoti yaaya (n. elder brother; elder sister) kureva sisi kana bhudhi.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://zimboriginal.com/women-nouns/
  2. "Archive copy". Archived from the original on 2022-01-26. Retrieved 2022-01-26.