Hanzvadzi
From Wikipedia
Shoko rokuti hanzvadzi (brother or sister/brother and sister) rinoreva vanhu vaviri mukomana nemusikana vakazvarwa nababa kana kuti amai vamwe chete.
Shoko iri rinoshandiswazve kududza vanhu vaviri musikana nemukomana vakazvarwa nemadzimai vanenge vari mukoma nemunin'ina.
Shoko iri rinoshandiswazve kududza vanhu vaviri musikana nemukomana vakazvarwa nemadzibaba vanenge vari mukoma nemunin'ina.