Dzinoyamwisa

Kubva Wikipedia

Dzinoyamwisa (mammals in English) mupanda wemhuka dzinofema mweya, dzine muzongoza uye dzinozivikanwa nekuva nevhudzi kana kuti mamvanda. Chikuru chinonekwa pamhuka dzinoyamwisa ndechekuti dzine tsatsadzi dzinobuditsa mukaka kubva mumazamu kana mhuka nzvari yazvara mwana. Mhuka zhinji dziri pamupanda wedzinoyamwisa dzinowanikwa dziine tsatsadzi dzinobuditsa dikita.