Imbwa

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Imbwa Yemhando Rhodesian Ridgeback

Imbwa imhuka inochengetwa pamusha. Imbwa inoshanda mabasa anoti: kuvhima; kufudza zvipfuyo; kuzvuva mitoro kunyika dzinotonhora seCanada; kuchengeta musha; kubatsira mapurisa nemawuto kuronda; kutamba nayo; uye kubatsira vakaremara kana imbwa yakapingudzwa.

Kune marudzi mazhinji embwa akawanikwa nekusarudza mikono nehadzi inoberekesaniswa panguva yokunge hadzi yaBindura - ovulation - being in heat.

Kuberekana kwembwa[chinja | edit source]

Imbwa dzinoyaruka zvokukwanisa kubereka padzinenge dzave nemwedzi mitanhatu kusvika gumi nemiviri (6-12); izvi zvinoititka kune mikono zvose nehadzi. Nzvari inoti kana yabindura inenge yagadzirira mupfungwa nemuviri wayo kuti inge ichishumirwa nemukono. Kubva painobindura imbwa nzvari, mazai acho anorarama kwesvondo zvichireva kuti panguva iyi nzvari inokwanisa kushumirwa nemikono yakawanda.

Imbwa dzinozvara mushure memazuva 56-72 mushure mekunge zai nehuronyo zvasangana. Imbwa inobereka vana vanowanza kusvika vatanhatu (6). Mwana wembwa anonzi handa, mbwanana, kana kuti mhondana.

Nyama yembwa[chinja | edit source]

Imbwa dzinodyiwa nyama kwemazana emakore mazhinji kunyika dziri kumabvazuva eAsia dzinosanganisira Korea, China neVietnam. Pane kufungidzira kunoti pagore rega-rega kunobaiwa imbwa 13-16million muAsia kuti dzidyiwe nyama. Nhepfenyuro yeBBC inofungidzira kuti kune nzvimbo dzinotengwa chokudya 6,000 dzinotengesa nyama yembwa kuSouth Korea. Kunozni nyama yembwa inosanganiswa nenyama yehuku nenhenhere dzemushenjere


Tsika[chinja | edit source]

  • Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.
  • Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo.
  • Imbwa payadyira haipakanganwi.
  • Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo.
  • Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu