Gweta

Kubva Wikipedia

Gweta (lawyer) munhu akadzidza zvemitemo kusvika padanho rekuUniversity, munhu uyu anoita mabasa anotevera:

  • Kupa mazano pamusoro pekubatwa kwemabasa zvinoenderana nemitemo.
  • Kumuririra vanhu mumatare anotonga mhosva.
  • Kubatsira kunyora pasi zvibvumirano zviri maererano nemutemo.
  • Kududzira mutemo kune avo vangada kuziva.

Mamwe magweta vanozivikanwa kunyanya munhoroondo yeZimbabwe ndeava: Herbert Chitepo, Tendai Biti, Eric Matinenga, Beatrice Mtetwa, nevamwewo.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti igqwetha (lawyer) kureva gweta.
  • Shilluk inoti a gweta (it was written by me). Mamwe mazwi gwedo (to carve; to write).
  • Uyo Ibibio vanoti wet (v. write) kureva kunyora