Herbert Chitepo
Herbert Wiltshire Chitepo igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain. .
Herbert Wiltshire Chitepo (15 June 1923 – 18 March 1975) akanga ari mutungamiri we Zimbabwe African National Union (Zanu) rinova bato rairwira kuzvitonga kwevatema munguva dzeRhodesia. Herbert Chtepo wakaurawa mugore 1975 mwedzi wa March. Hazvizivikanwe kuti Chitepo wakaurayiwa nani. Munyori wenguva dzeRhodesia anonzi Peter Stiff anoti musoja wemawuto British anonzi, Hugh Hind ndiye anonzi akauraya Herbert Chitepo.
Chitepo ndiye akava munhu mutema wekutanga munguva yeRhodesia kuva barrister; rinova rimwe danho rohugweta.
Kukura kwavo [chinja]
VaChitepo vakazvarwa ku Watsomba mudunhu re Inyanga; akanga ari werudzi rweva Manyika. Akadzidza pazvikoro zvinoti St David's Mission School, Bonda, St Augustine's School, Penhalonga vachizoenda ku Adam's College, Natal, South Africa, kwaadzidza kuvamudzidzisi mugore 1945.