Gudo
From Wikipedia
Gudo (baboon in English) imhuka yemusango yakafanana netsoko. mkudo ane mumhu unosiyana zvichienderana nerudzi rwegudo racho. makudo ari kuGuinea akareba 50cm uye ane huremu hunoita 14kg; makudo ari kuno kuChamhembe kweAfrica akareba 120cm uye ane huremu hunoita 40kg.
[chinja] Tsika
- Gudo guru peta muskwe vapwere vagokuremekedza.
- Charovedzera charovedzera gudo rakakwaira mawere kwasvipa.
Zvinoita sekunge gudo rakabata pfungwa dzevanhu kunyanya nemaitiro aro kana kuti maramiro aro. MuChiShona gudo rine mazita akanyanya kuwanda. Mamwe mazita ndiwo anoti: bveni; diro; dede.
Muimbi Oliver Mtukudzi wakaimba, "Gudo munorivengerei, gudo haridye husiku? Nhunzi wawapumha ndiye anopa zvirwere".