Mawere (Slope in English) zvinotaura nzvimbo yokuti ukafamba pairi unobva pakakwirira uchienda pakaderera. Sokuti kana munhu achiburuka kubva mugomo kuenda munhika anenge achidzika pane mawere.