Duwo

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Wagenya RapidsNassesPiègePêche.JPG

Izwi rokuti duwo (fish trap in English) rinoreva chiumbwa chinorukwa nemiti chinoshandiswa kuteya hove murwizi kana dziva.

Duwo rinogdzirwa rakaita chiumbwa chegaba rakavharika rimwe divi. Kune rimwe divi kunorukirwa charaka chinoti hwaro hwacho huri kunze, chisuvi chakavhurika chiri mukati. Duwo rinokandwa murwizi rosungirwa pahoko kana muti uri kumahombekombe erwizi. Tarisiro ndeyekuti hove inopinda muduwo nekuhwaro hwecharaka. Kana hove ichinge yapinda muduwo seizvi kubuda kunenge kwonetsa nokuda kwokuti charaka chine chisuvi chakamanika chakashama nhambwe diki zvichienzaniswa nehwaro hwacho.

Muteyi wehove anopota achiuya kuzotarisa duwo rake kuti rabata here.