Hoko

Kubva Wikipedia

Izwi rokuti hoko (surveyor's peg in English) rinoreva chimuti, simbi kana chimwe chiro chinorovererwa muvhu chichishandiswa kutaridza panotangira nokugumira nzvimbo iri kutarwa. hoko ingashandiswa kutaridza panoperera muganhu: wemunda; wemusha; webindu; wenzvimbo inocherwa mugodhi kana muganhu wepari kuvakwa mugwagwa kana chimwewo chingavakwa pavhu.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe mazwi anoreva hoko ndeaya: mbambo, chipanda, chikokoyo kana ndemeredzi.

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana munhu achinzi arikukomera hoko pazvirongwa zviripo kureva kuti ari kukanganisa achiita kuti mabasa ezvirongwa asafambira mberi.