Dziva
Dziva inzvimbo pamuronga werwizi yakadzika kudarika dzimwe nzvimbo dziri parwizi urwu. Kana rwizi rwasvika pane dziva mvura inoyerera zvishoma kana zvichienzniswa nemurumba wemvura pane dzimwe nzvimbo parwizi urwu dzisina dziva. Dziva rinowanikwa panzvimbo yakadzikira pane nhika pokuti mvura inokwanisa kuwunganapo.
Dziva idiki zvakanyanyisa pane nyanza dzakaita seNyanza Malawi kana Nyanza Tanganyika
[chinja] Zvinogara muDziva
Chikamu cherwizi chine dziva chinokwezva mhuka dzingadaro dzichinetseka nokugara pane mvura inomhanya zvakanyanya pakuyerera, kana kuti kugara pane mvura inodziya zvakanyanya pane mimwe mwaka. Madziva anokosha zvakare paugaro hwehove diki, zvikurusei kana dzimwe nzizi dzichinyanya kudziya munguva yechirimo uye dzisina mvura inoyerera yakawanda.
[chinja] Tsika
Tsumo - " Aiva madziva abe mazambuko"