Charaka

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, charaka (Cone) izwi rinoreva chiumbwa chine uso huviri; humwe uso huri hwaro hwedenderedzwa huri pamutsendo, uso hwepiri huri uso hunopfirira hwaro kusvika pachisuvi (apex). Nguva zhinji chisuvi chinenge chakaita mutwi nemunzi wepakati (centre) pedenderedzwa riri pauso hunova hwaro.

Shoko reShona rokuti charaka rinotodzana necharaka chinowanikwa paduwo rinoteyeswa hove chine kuumbwa kweiya inonzi "cone kuEnglish". Hove inopinda nekwakapamhama, yave mukati charaka chakamanika zvokuti hove inotadza kubuda.

Charaka chinoumbwa kana tikatenderedza gonyonhatu yemutwi pahwaro hwayo, ichiita monerapo padivi rakarurama pahwaro.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kare kare varimi vaivaka dununu rokuchengetera chibage chinege chakororwa. Dununu raitaridzika sedenga rekicheni yekumaruwa rakasunamiswa chisuvi chichiva pasi - uku ndiko kuumbwa kwecharaka. Vamwe vatauri vanoti dununu ndiro rujada, rudada kana chitanangare.

Ice cream iri mu charaka, Japan